Grant wekugara mu’ceiling’ aonekwa kumasowe

Uncategorized

KURI kugara Grant Mashasha – uyo akabuda munhau nguva yadarika achinzi aigara mudenga remba (ceiling) kwemakore akawanda kumba kwevabereki vake kuZengeza, kuChitungwiza – hakusi kuzivikanwa, asi vamwe vanoti akamboonekwa pasowe revamwe madzibaba kwaSeke.

Pane vanoti Grant akaonekwa svondo radarika ari pamasowe aya aina amainini vake.

 

“Kubva muceiling kuenda kumasowe hazvina kusiyana nekushungurudzwa kwakaitwa Grant. Pamasowe apa pave kuchengetedzwa zvakasimba sezvo vasiri kuda kuti vanhu vazive kuna Grant.

 

“Imwe hama yavo iri kutenderedza mashoko padandemutande ekuti Grant akaendwa naye kuUK apo iye ari kushungurudzwa mupfungwa pamasowe.

 

“Haasisiri mumaoko enyanzvi dzezveutano, asi mamiriro ake haana kunyanya kushanduka uye vehukama vanoda kuramba vachimushungurudza.

“Mumwe mudzimai akaberekwa pamwe chete naGogo Mashasha ndiye anopota achisvika pamasowe ipapo achizomupa chikafu nehembe,” anodaro mumwe anoziva nezvenyaya iyi.

 

Grant akapedza makore anodarika 10 akavharirwa mumba mevabereki vake kuZengeza uye mapurisa vakazomutora ari mudenga remba apo vakapinda vachida kubvisa chitunha chababa vake, Gideon Mashasha.

Chitunha ichi chinonzi chakange chave nemazuva akawanda chakavharirwa mumba inove nyaya yakazoita kuti amai vaGrant, Gogo Plaxedes Mashasha (66), vasungwe nemapurisa.

 

Gogo Mashasha, avo vakabvisiswa mari yebhera, vari kutarisirwa kudzokera kudare nemusi wa13 Kukadzi.

 

Vari kupomerwa mhosva yekukonzera kufa kwemurume wavo uye kugara nechitunha chake kwemazuva vasina kuzivisa mapurisa.